![]() |
| The fearless leader of the MDC, Prof. Welshman Ncube |
The poem clearly narrates how Ncube continues to challenge Robert Mugabe in a bid to save Zimbabweans from poverty and eternal life in the diaspora.
Please arrange for a Shona speaker to translate for you, surely you won't regret hearing the good news about Prof. Welshman Ncube, the politician who is penetrating Zimbabwe's political sphere at the fastest rate ever!
Here goes the poem:
Regai Welshman Ncube atonge nyika,
Nekuti makaipihwa mukadya vana venyu vamakabara!
Zvino makuva zvoozara Dzimbahwe yose,
Monyepa kuti mabhunu akapedza zvizukuru zvaNehanda naMzilikazi!Vanhu vochema todya nhoko dzezvironda,
Tanha, tanha, Bhobho chotanhaura zvarimwa nevaranda!
Zvino zvamaiti varungu ndiwo mapenzi,
Ko nhasi zvomoondomora nyika murungu aripi!
Zvamakazoti Bhobho ndicho chete pachinzvimbo tisu masoja,
Nhasi Welshman woti vanhu ndivo masoja chaiwo!
Zvikanzi naNyikayaramba State House ndeyamuzukuru waChatunga,
Welshman chikara akati State House ndeyevanhu!
Vakapenga-zve zvikanzi Welshman wapatsanura zvibodzva,
Vanhu vakapika naWelshman kusvika murufu!
Zvarainzi idambe bhasikoro rinokakwa newaya,
Welshman chikomana chikave ngangira yakakwa nebwe!
Hevo voridze mhere zvonzi ndewekumaruzevha,
Ruzevha rukati ngaauye taneta kusungwa neutare nekubayiwa nemafeso!
PaMutoko pfacha Welshman oudza vanhu nhau dzavanga vakamirira,
Bhobho chikati vakomana rovai munhu!
Ndotarira ndikaona vakatiza Dzimbahwe vachifarira VaNcube,
Zvikanzi aiwa-vo vanombovhota here ivavo!
Vakomana zarurai gonhi,
Murume mukuru wasvika.
Veduwe titambidzei makhi(ma-key),
Muranda wevanhu woda kuita basa!
Ndati masoja ibvai mumugwagwa,
Mhondoro huru inoda kupfuura kunonunura vana vayo!
Zvirokwazvo zvirokwazvo mupeiwo mukana,
Nekuti nguva yake yasvika yekusunungura Zimbabwe!
Gogogoi, gogogoi paState House,
A, ndimi VaNcube, isu vavhoti tinoti pindai Baba!
by Fanuel Nsingo

ka1. tsvangirai has a sharp pencil ready to pork
ReplyDelete